
The Zimbabwe Mail
Mukadzi wekuShurugwi, Maria Mapfumo anemakore 48 okuberekwa akarara muhusungwa mushure mekunge ati President Mnangagwa nevatsigiri veZanu PF; imhondi zvichitevera kumbomiswa basa kwemurume wake Jefter Chida uyo anove mudzidzisi we geography paGamwa Secondary School.
VaChida vakamiswa basa mushure mekunge sachigaro weZanu PF, VaBernard Dangi, vanyora tsamba kumahofisi ebazi rezvedzidzo vachipomera mukuru uyu kupinda mukuramwa mabasa kwevadzidzisi uye kutaura nezvemisangano yeCCC pachikoro ichi husiku.
Mapfumo wekuFarm number 3 Gamwa Division, kuShurugwi akabva aenda kunonetsana naDangi nenyaya iyi.
“Vanhu veZanu PF ndokuzivai kuti munouraya, iwe napresident wako Mnangagwa mogona kurangana kuuraya murume wangu. (nhengo dzeZanu PF naPresident Mnangagwa venyu vanozivikanwa nekuuraya. Chandinotya ndechekuti imi naMnangagwa wenyu mungaronge kuuraya murume wangu),” akadaro Mapfumo kuna Dangi.
Muchuchisi Tafadzwa Guzete akati nomusi wa22 Kukadzi 2022 nenguva dza430pm paFarm 3 Mapfumo akamupomerwa mhosva zvisiri pamutemo uye zvakanyanya kukanganisa chiremerera chaDangi uyo anobva kunzvimbo imwe chete iyi naPresident Mnangagwa.