
MUKADZI wekuMvurwi ane makore 40 anonzi akaisa mwana wake achangozvarwa musaga ndokusungirira padombo asati arikanda mudhamu.
Jessica Matadya wekuDangamera Farm, kuMvurwi akasungwa nemhosva iyi svondo rapfuura.
Mutauriri wemapurisa anomirira Mashonaland Central, Assistant Inspector Naison Dhliwayo vakati mutumbi wemwana uyu wakawonekwa nevana vaitamba padhuze nedam, vakamhanya kunoudza vanhu vakuru
Vakuru vakaenda kuno mhan’ara nyaya iyi kumapurisa kuVelvekia Police Base uye mapurisa akakwanisa kusunga Matadya, uyo anonzi akabvuma mhosva yekuuraya vacheche.
It’s not fair zvakaitwa naJesca Matadya