
Mukadzi anobva kuKwekwe arikukumbira mhuri yemuZimbabwe kuti imubatsire nemari inosvika US17 000 yekurapisa mwana wake ane makore (4) ane musoro urikukura kubva azvarwe.
Mukadzi uyu anoti murume wake akavasiya ne-condition ine mwana.
Ms Miriam Mamvura vekuMbizo section 7 kuKwekwe vanoti mwana wavo Blessing Mamvura akazvarwa ane musoro wakakura musiwa January 1 2018 kubva ipapo uchirikuwedzera.
“Takaenda naye kune vanoita nezvehutano muHarare vakaedza kumupa mishonga asi urikuramba uchikura.
“Vakatiti tiende naye kuKaranda Mission kwatakanoudzwa kuti timuite surgery panoda mari inosvika US$17 000,”Miriam anodaro.
Murume wake akavasiya kare, akamusiya ane vana vaviri Blessing neumwe ane makore (5).
“Handishande vabereki vangu vakashayaika. Murume wangu akatisiya aona kuti mwana wedu arikuwedzera uye haachazvikwanise,” anodaro.
Blessing anofanira akufamba haasi kukwanisa kana kukambaira.
“Ndinoshandisa nguva dzangu zhinji ndakamutarisa, Chero ndikawana basa hapana anoda kuchengeta Blessing nenyaya ye-condition yake.Ndinokumbira rubatsiro kuti ndikwanise kuchengeta mwana wangu,” anodaro.
Vese vanoda kumubatsira munomufonera panumber dzinoteera 0786631663. — @michaelmagoron1