
Mudzimai wekuDomboshava wekubuda achiti aomerwa zvekusvika pakuda kutengesa mimba ine mwedzi misere nekuda kwekuti haana chekubhadhara nacho kuti aitwe oparesheni pakusununguka, akabara mwana mukomana chigwindiri nemusi weChina wadarika mushure mekuvhiiwa muchipatara chemuHarare.
Nyaya yaMai Demetria Mukusa (33) vanogara kwaSabhuku Murove, kwaMambo Chinamhora yakabuda vachiti vanotsvaga munhu anoda kutenga mimba yavainge vakatakura nemari inokwana yaidiwa kuchipatara, ivo vozomupa mwana wavanobara sezvo vainge vasina chekubata.
Imwe yemari yavaikumbira inonzi ndeyekubhadhara sabhuku wavo kuti vanyorwe mubhuku remusha. Vanhu vazhinji vakaona nyaya iyi vakati amai ava vanofanirwa kubatsirwa.
Vakasununguka mwana mukomana pachipatara cheCBD Specialist Hospital nemusi weChina vhiki rapfuura.
Kuti vakwanise kunovhiiwa vakabatsirwa nekambani yebakers Inn nevamwe vanhu vakazvipira kubatsira.
Murume wavo vaGodfrey Chamutinya(41), vanoti vakafara zvikuru nekubatsirwa kwakaitwa mukadzi wavo.
Mukadzi uyu anoti ari kufara zvakanyanya nekubatsirwa kwaakaitwa asi nyaya yakumushungurudza ndeye mari irikudiwa naSabhuku US$300 yekuuchira.