
Mudzimai wegamba renyika mushakabvu, Jacob Mapepete, akasungwa neZimbabwe Anti-Corruption Commission mushure mekunge aunganidza invoice yamanyepo yechikoro ndokubva aiendesa kuZimbabwe National Liberation War Veterans Association (ZNLWVA) kuti imupe mari yemwana wake asi mwana uyu akanga asisaendi kuchikoro.
Rufaro Mapepete (52), uyo akamira pamberi pemutongi wedare, Dennis Mangosi, achipomerwa mhosva yekubiridzira, akaiswa mutirongo kusvika neMuvhuro ndipo paanozotongwa. Zvinonzi imwe nguva munaNdira gore rino, Mapepete anonzi akaburitsa risiti ye $35 000 ndokuendesa kuhofisi huru yeZNLWVA achiti invoice yaive yemwana wake anodzidza paWashington Hills High School.
ZNLWVA yakabva yabhadhara mari inoita $35 000 direct kuWashington Hill High School ichiti ndeyemwana wechikoro anova mwana wemushakabvu gamba rakarwa hondo. Kuzoongororwa kwakaratidza kuti munaGunyana 2019, mwana haana kuzonyoreswa pachikore chepa Washington Hills High school nekuda kwekushaya mari yechikoro.
Mukadzi wegamba akabva aruka zano rokudya mari mushure mokunge mari yatumirwa kuchikoro kuya akarayira vakuru vechikoro ichi kuti va transfer mari mu-account yake yeFBC Bank, asi vakuru vechikoro vakaramba kuita izvi, vachiti vachadzorera mari iyi kwayabva kusangano rema war veterans.
Pakarepo vakuru vechikoro vakabva vazivisa Zecc kuti ndizvo zvirikuitika Zecc ndokubva yasunga munhu.
State inoenderera mberi ichiti Mapepete muna Chikumi 2019 akagadzirawo risiti yemanyepo yechikoro yaiva nemari inosvika US$11 500 ndokuitumira kuZNLWVA ndokuipihwa akaidya yose. — Newsday