
Murume wekwaMutare akambodhonza nguva akashinga ndokuona kuti angakuvarira musaga sezvo mukadzi wake aitira weti muchikafu chaaizodya ndokubva anomhan’ara kumapurisa kuti zvinhu hazvisisina kumumirira mushe kumba kwake achishungurudzwa nomukadzi.
Kudzai Kasira nemudzimai wake, Panashe Mitchell Pasuwairi, nguva pfupi yadarika vakamiswa pamberi pemagistrate Magare, Mai Purity Gumbo, pachitaurwa nyaya yokuitirwa weti muchikafu chaizodyiwa nomurume ndokubva murume uyu azivisa dare kuti anga aguta nekusvotwa nemukadzi wake arikuwetera sadza raanodya.
Akanyanya kuchema chema nenhau yokuti mukadzi wake Pasuwairi ane tsika yekuita weti muchikafu chake. Amai Gumbo vakapa Kasira gwaro rerunyararo kwemakore mashanu.
Murume uyu achitaura mudare anozivisa dare kuti iye zvinho nhengo dzake dzavakugara dzichirwadza nokudhonzewa nemukadzi wake sezvo achigara achirohwa zvakaorara nomukadzi wake, anowedzerawo achiti anodyiswa chikafu chinenge chadirwa mutundo.
Achitaura Kasira anoti, nyaya yaPasuwairi ndeyekuita gumbo mumba gumbo panze, “Ndakamuona kakawanda aine mumwe murume. Pandakamubvunza mibvunzo, akati aisaziva murume uyu sezvo anga achangobva kusangana naye mudhorobha, ”akadaro Kasira.
“Ndakanga ndiri mubishi rekubhadhara maroora, asi handikwanise kuenderera mberi nekuda kwehutsinye hwake. Anogara achingondityisidzira kundidira mafuta ekubikisa anopisa. Ndava kugara ndichitya, ”adaro Kasira.
ln her defense, Pasuwairi arikuti akangomurwisa kamwe chete in self defense.
Mukadzi achitaura mudare anoti, “Murume uyu anonetsa zvikuru. Akandirova nekundirovera kumadziro. Akandibata muhuro ndipo pandaka mudhonza nhengo dzake dzakavanzika. Ndakaita izvi ndichizvidzivirira, ”akadaro Pasuwairi.
Pasuwairi akaramba kuti ane imwezve nyaya yekudanana nomumwe murume. “Murume iyeye anga achienda nedivi rimwe neni apo taifamba mutown. Kana Kasira paakandibvunza nezvake, ndakamuudza chokwadi asi akandituka. Akatomborwisa murume uyu achimupomera kuti akarara neni,” akadaro.
“Handina dambudziko naye kuti awane gwaro rerunyararo sezvo ndanetawo nekushungurudzwa naye,” akadaro Pasuwairi. Manica Post