
Muchato wemakore 10 wabvaruka mushure mokunge Sinhi romukadzi wake rarohwa zvisinatsarukano nomukomana wekuMusikamutema anochinja mari dzema USD$ zvisiri pamutemo.
Patience Muzambi (32), anozivikanwa saMinister Favor kuGoshen City Church iri kuChinhoyi anonzi aifambidzana naRaphael Chinama anoita zvokuchinja mari ndokubva zvazivikanwa nomurume wake ndokurambwa.
Zvazobuda pachena mushure mekunge murume waMuzambi Lameck Jairos, 31, awana mameseji erudo nemifananidzo munharembozha yemukadzi wake.
Muzambi akaendesa nyaya iyi kuChemagamba mapurisa uko kwaakanotora nharembozha yake yakanga yatorwa naJairos.
Muzambi akaudza H-Metro kuti Murume wake Jairos ndiye akatanga kuita gumbo mumba gumbo panzi uye aive akagadzirira kukanzura muchato wake naye zvichitevera chiitiko ichi.
Jairos akapomera mutungamiri wechechi yake Apostle Takunda Sibanda mhosva yekusafambisa nyaya iyi achiedza kuchengetedza Muzambi sezvo aive mushandi wake.
Murume achitaura achisvora Apostle vake anoti “Panguva ino ndaive neumboo uye Apostle akandimanikidza kuti ndiregerere mukadzi wangu zvakare achiti zvaizokanganisa bhizinesi rake pamwe nebasa rake remumhanzi.”
Apostle varikunzi varimo munyaya iyi ndivo vakakonzeresa kuti muchato uparare.
“Kubva ipapo ndakamhan’arira mudzimai wangu nekundityisidzira nedanho risingazivikanwe rekumufumura pamwe naApostora,” akadaro Jairos.
“Saka mudzimai oramba achiita gumbo mumba gumbo panze ini ndichifira yekuti anoshandira Apostle?” “Zvakazonyanya kundirwadza ndezvekuti vanozivana naChinama wacho anovachinjira mari yepabasa pavo. My wife is loose but Apostle has contributed in the collapse of my marriage. — H-Metro