
MUDZIMAI wekuDomboshava anoti asarudza kutsvaga vanhu vangada kutenga mwana achazvarwa pamimba yaainayo sezvo nhamo yamutamba tsvina.
Mai Demetria Mukusa (33) – avo vakatenga nzvimbo yekugara mubhuku rekwa Murove, kwaChinamhora asi vachibva kwaMambo Njelele, kuGokwe – vanoti havasisina rimwe zano rekuita nekushaya kwavari kuita mari inodarika US$300 yekuti vanovhiiwa nemachiremba kuti vakwanise kusununguka mwana wavo ari kunzi mukomana.
Pamuviri apa pava nemwedzi misere.
Mudzimai uyu ane vana vatatu, vose vaakasununguka nekuvhiiwa.
Anoti machiremba ari kuti pamuviri pake pechina panofanirwa kuvhiiwa zvakare uye pasina izvozvo anokwanisa kurasikirwa neupenyu hwake nehwemwana pakubatsirwa.
“Mabhonzo angu enzira yekusununguka nayo anonzi nemachiremba ndeechirume izvo zvinoita kuti nditadze kusununguka zvakanaka. Vana vangu vose vatatu ndakasununguka nekuvhiiwa, pamuviri pandinapo pechina pane mwana mukomana panofanirwa zvakare kuvhiiwa. Patosvika nekuti pava nemwedzi misere.
“Mari inodiwa inodarika US$300 iyo yandisina. Saka ndafunga zvangu kutengesa nhumbu yangu iyi kune vanokwanisa kundipa mari votora zvavo mwana wacho kana azvarwa pane kuti ini nemwana wacho tife,” vanodaro Mai Mukusa.
Vanoti ivo munhu aizvishandira vachiita zvekutengesa muguta reHarare kusvikira vakazotorerwa zvinhu zvavaitengesa nemapurisa ekanzuru vashaya mari yechiokomuhomwe.
“Nhamo yangu yakatanga ndatorerwa zvinhu nemapurisa muguta reHarare umo ndaitengesera. Mupurisa wechidzimai akanga andisunga akada kutonyorwa US$10 ndikaishaya achibva atora zvinhu zvangu zvose zvaikosha US$250. Ndakaedza kuvakumbira ndichiti honai ndakazvitakura, vakatadza kunzwisisa,” vanodaro Mai Mukusa.
Chikumbiro chavo kune vanhu vavari kuda kuti vatenge mwana wavo vanoti vasazomuuraya sezvo vachiti vanoda kuzogara vachimuona mararamiro ake.
“Kune vachatenga mwana wangu, handidi kuti vazomuchekeresa, ndinoda kuti vamuchengete ndopota ndichimuonawo kukura kwake.
“Kana pane vane tsiyo nyoro vanogona kundibatsira vachatendwa naMwari nekuti handina hama inokwansa kundiyamura uyewo murume wangu haashande. Chekuti titengese mumba medu hatina, vabereki vangu vakasiya mombe dzikatengeswa nehanzvadzi yangu achinoroora mudzimai wake wechiSutu,” vanodaro Mai Mukusa.
Vana vavo vanoti mukomana ane makore 12, musikana ane makore 7 nemusikana zvakare ane makore maviri okuberekwa avo vose vakasunungukwa nekuvhiiwa.
“Rimwe dambudziko ratinaro nderekuti pano patigere sabhuku wedu ari kuda zvakare US$300 yekuti atinyore mubhuku, ari kuti tikatadza kudaro anotidzinga muno.
Mai Mukusa vanoti vakatanga kuenda kuchipatara cheMakumbe Mission Hospital chiri ikoko kuDomboshava uko vakazodarikidzwa kuchipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals vakazononzi kuri kudiwa US$25 yekunyoresa neUS$300 yekuti vazovhiiwa pamuviri apa.
“Pamuviri apa hapana gadziriro kubvira kumadhishi, manapukeni, sipo, mabhegi nembatya, handina chandinacho,” vanodaro.
Vachibvunzwa kuti vanozviziva here kuti imhosva kutengesa mwana kana pamuviri sezvavanoda kuita, Mai Mukusa vanoti mhosva iyi iri nani pane kuti vafe pamwe chete nemwana ari mudumbu.
“Mhosva inouya pamunhu mupenyu, ko kana ndafa?”
Murume wavo, VaGodfrey Chamutinya (41) vanoti vaimbova mudzidzisi asi vakazosiya basa nekuti havana kudzidzira basa iri mushure mekusvika Fomu 6.
“Nyaya yekuti mudzimai wangu ari kuronga kutengesa mwana ari mudumbu ndatoinzwira muno maava kutaura nemi. Handibvumirane nazvo kuti titengese mwana uyu kunyangwe zvangu ndakaomerwa neupenyu.
“Dai ndaikwanisa kuwana mari yekuti ndinoita zvidzidzo zvekudzidzisa ndaibatsirika mukurarama kwangu,” vanodaro VaChamutinya vanoti dambudziko ravainaro nderekuti mudzimai wavo ari kunzi nemachiremba haana ropa rakakwana zvinogona kuita kuti afe pakuvhiiwa kwacho.
Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi vanoti imhosva pasi pemutemo kutengesa mwana kana pamuviri.
“Amai ava ngavatsvage nzira dzekubatsirwa nadzo pane kutengesa mwana kana pamuviri. Panyaya yavo yekuti vakatorerwa zvinhu nemapurisa vaida mari yechiokomuhomwe, vanofanirwa kumhan’ara. Asi mutemo haubvumidze zvekutengesa zvinhu vasina mvumo sezvavaiita, vanofanirwa kuva nematsamba ekuita basa iri,” vanodaro Asst Comm Nyathi.
Panyaya yaSabhuku Murove avo vanonzi vari kuda US$300 yekuti vanyore mhuri iyi mubhuku remusha, VaLawrence Sinyere (30) vanove munyori wasabhuku uyu vanoti hapana chakaipa uye mari iyi inonzi yechiuchiro.
“Mari iyi ndeyekuombera sabhuku namambo wedunhu patsika dzedu. Hatina mari chaiyo iri kuchajwa, kare kwainzi munhu abvise huku, mbudzi kana mombe,” vanodaro VaSinyere.