
RAKAVA bararamhanya pamba iri mumusha weGlen View 1, muguta reHarare, svondo rapera apo vanhu vaive parufu pakati pehusiku vakangoerekana voona munhukadzi wechidiki anofungidzirwa kuti muroyi ari pakati pevaichema asina kupfeka.
Mashura aya akaitika panhamba 2431 muna32 Crescent apo pakashaika Mbuya Enareta Banda (69). Mbuya Banda vanonzi vakanoshaikira kumba kwemwanasikana wemunin’ina wavo kwaMurehwa uko mutumbi wavo wakazotakurwa kuunzwa kumba kwavo kuHarare kuzochemerwa.
VaFrank Banda (50), mwanakomana mukuru wemhuri yekwaBanda, vanotsinhira nyaya iyi vachiti yakaitika vasipo vari mumugwagwa kubva kuSouth Africa kwavanoshandira apo vaitouya kunhamo iyi. “Ini ndinogara kuSouth Africa kwandinoshanda. Ndakaridzirwa nhare ndichitova mumugwagwa nemusi weChitatu ndichinzi mudzimai uyu anofungidzirwa kuti muroyi asvika pachivanze asina kupfeka apo mutumbi waamai waiva mumba. Nyaya iyi yakashamisa,” vanodaro VaFrank Banda.
VaKennedy Banda (33) mumwe wevanakomana mumhuri iyi vanoti manenji aya akaitika kuma12 pakati pehusiku apo mudzimai uyu akangoerekana asvika parufu apa ari musvo.
Kennedy Banda
“Vanhu vaiva mumba maiva nemutumbi wagogo, ini ndiine vamwe varume panze pamoto ndokunzwa voshevedzera kunze kwechivanze kuti, ‘muroyi’. Ndakacheuka ndikaona mudzimai aiva musvo ndokuenda kuti ndinotaura naye. “Aitaura kuti akanga abva kwaMurehwa vachida kuzodya nyama yagogo ava achiti mumba maiva nemutumbi maitova nevamwe vake vatanhatu vainge vakapfeka madhuku machena,” vanodaro VaKennedy Banda.
Vanoti chakashamisa ndechekuti vakazoenda kunotarisa mumba maiva nemutumbi ndokuwanawo muine madzimai matanhatu vaive nemadhuku machena.
“Mudzimai uyu aitaura kuti aitungamirirwa nenzara dzake kutevera kwaiva kwaenda chitunha ichi kubva kwaMurehwa. Pakaita kusagadzikana kwezvinhu, vamwe vanhu vachida kumurova kusvikira takazopindira kuti asakuvadzwe neveruzhinji.
“Akazopihwa mbatya nemamwe madzimai, tikamboda kuti aendeswe kumapurisa kusvikira akazongobva oga achienda kusina akaziva,” vanodaro VaKennedy Banda.
Panhamo iyi panonzi pane mumwe mukadzi akazobatwa nemweya achitaura kuti mudzimai uyu akanga auya kuzodya mutumbi wambuya vekufa ava aine vamwe vake.
“Mutumbi waamai waibuda ropa mukanwa nemumhuno kuita sekunge munhu akatungwa nenyanga kana kubaiwa nepfumo uyewo dumbu ravo rakanga rakazvimba. Amai vedu vakangorwadziwa nemuchipfuva ndokufa.
“Tichada kuzofamba asi mashoko aripo ndeekuti amai vanonzi vakarohwa nezvidhoma,” vanodaro VaKennedy Banda.
VaProcces Chisoni (24) vanove muzukuru wemhuri yekwaBanda vanoti pakaitika batawabata yemudzimai akauya panhamo asina kupfeka vaivapo.
“Mudzimai uyu akangoonekwa pagedhi asina kupfeka pasina kuonekwa kuti akabva nekupi, kureva kuti akaita zvekudonhera parufu apa. Huroyi huri pachena uhwu,” vanodaro VaChisoni.
Votaura nezvechiitiko ichi, VaGeorge Kandiyero vanova mukuru wesangano reZinatha, vanoti hazvishamise zvakaitika izvi, vachiti huroyi hunenge hwafumuka.
VaKandiyero
“Ukaona zvave kudai huroyi hunenge hwafumuka kureva kuti mweya waambuya vakafa ava wakaramba kudyiwa. Muroyi haafambe oga, vaitenge vakawanda panhamo iyi vachitevera kuzodya chitunha kubva kwaMurehwa kwakafira mbuya ava,” vanodaro VaKandiyero.
Zvichakadai, mutumbi waMbuya Banda wakazovigwa muHarare nemusi weChina svondo rapera.