
Fungai Lupande mupurisa wekuMashonaland Central akurudzira vanhu kuti vabatsire hama dzavo dzinenge dzine zvinovanetsa mushure mekufa kwemukadzi ane makore 25 uyo aiva akaremara,akazviuraya mushure mekubvunza tete vake kuti sei aive akasiyana nevamwe.
Mumiriri wemapurisa Assistant Naison Dhliwayo anoti Edna Mubishi wekuTrinity Farm akabvunza tete vake Agnes kuti nei akazvarwa akasiyana nevamwe, izvo zvakaita kuti ashungurudzike.
Asst Dhliwayo vanoti Agnes akakwanisa kumunyaradza, vakaenda kunorara mudzimba dzakasiyana.
Agnes akamuka ndikuenda muimba yaEdna yokurara umo maakanomusha uye akatanga kumutsvaga.
Agnes akasangana naTabeth Chokufa uyo akamuudza kuti pane mutumbi wawanikwa wakati nyangarara pamusoro pemvura kuTrinity Dam.
Mapurisa akaziviswa nezvenyaya iyi. Mutumbi waEdna wakatorwa ukaendwa nawo kuSt Alberts Hospital kuti unoitwa post mortem.