
Mumwe mukadzi anonzi Nicole Johnson anemakore 33 arikufungidzirwa kuti aigaro shungurudza vazukuru vake vaviri, izvi zvazobuda pachena mushure mokunge azowanikwa ainezvitunha zviviri zvevana ava mubhuti remota yake.
Mugadzi uyu anogara kunyika yeBaltimore akasungwa mushure mekunge apomerwa mhosva yekuuraya nekushungurudza vana zvinova izvo zvasakisa rufu rwemwana musikana ane makore manomwe pamwe nemwanakomana ane makore mashanu.
Mapurisa arikunzi akaona kuti Nicole aiva tete vevana ava, Joshlyn Johnson ane makore manomwe na Larry O’Neil ane makore mashanu.Vana vaviri ava varikunzi vainge vasirwa Nicole kuti ava chengete mugore ra2019.
Sekutaurwa kwazvirikuitwa kuri kunzi gore rapfuura mumwedzi waChivabvu ,Nicole ainge akachengeta mutumbi wemuzukuru wake mumabhegi.Zvose izvi haana haana kumbozvitaura kumapurisa kana hanzvadzi yake.Nicole akaenderera mberi nekushandisa motokari yainge aiine mutumbi wemuzukuru wake zvichiita sepasina chakamboitika.
Papfuura gore,Nicole akaurayazve muzukuru wake ndokunoisa mutumbi wake padivi pewehanzvadzi yake yainge yaora.
Mhosva dzaNicole dzakazobuditswa chitatu chesvondo rapfuura mushure mekunge abatwa nemapurisa emumugwagwa achimhanyisa motokari zvisiri pamutemo.
Mushure mekunzwa kunhuwa kwaive mumotokari maNicole mapurisa akachitanga kumubvunza kuti cgaive chii chainhuwa.Nicole haana kuda kuudza mapurisa chokwadi,asi mapurisa akaongorora motokari ndokuona mitumbi yaJoshlyn naLarry yainge yowora.
Nyaya iyi inobuditsa kuti paibvunzwa Nicole mibvunzo airatidza kuti akarova muzukuru wake kusvika azozviroveresa musoro pasi.Mushure mazvo aana kutsanangura kuti chii chainge chauraya mwanakomana.