
Adie Timmermans akarambidzwa kushanyira Belgain Zoo nekuda kwekuti anga achidanana nechimpanze. Adie nechimpanzee zvaitsvodana nepawindow apo aive ashanya kuzoo.
Mushure mekushanyira chimpanzee chechirume makore apfuura. Akange akaudzwa kuti chimpanzee chinoda kutaurwa nacho zvakanaka.”Nyaya iripo ndeyekuti ndakapinda murudo nechimpanze”, Adie anotsanagura apo aibvunzwa nevatapi venhau.
“Ndinoida mhuka iyi uye inondidawo.Handina zvimwe zvandinazvo asi nei vakuda kunditorera, “anodaro
Sarah Lafuat anoshanda pazoo akatsangura kuti chimpanzee ichi chaisawirirana nezvimwe zvimupanzee nekuda kwekuti changa chakuda kudanana nevanhu.