
Mumwe mukadzi wekuMberengwa anova mutengesi akamiswa mutirongo mushure mekunge amhan’arira nekuuraya mwanasikana wake ane makore gumi nemashanu pamusoro pe$7 bond.
Lydia Chenyika (36) akamira pamberi pemutongi weMberengwa, Evia Matura, nemhosva iyi yakaitwa muna Mbudzi 2019.
Chenyika anonzi akashandisa tsvimbo nedemo kuti arove Memory Shumba mushure mekunge mwanasikana wavo akundikana kupa amai vake $7bond iyo yaakatambira kubva kumutengi.
Chenyika anozomira mudare repamusoro musi wa17 May, 2021 kuitira kutanga kwekutongwa.