
Murume ane godo, akaita hasha ndokurova mukadzi wake nezvibhakera muviri wose mushure mokunge akumbira doro kushamwari yake.
Sitshengisiwe Ndebele (34) ainwa doro nemurume wake Milton Dube (38) kuPumula Shopping Centre.
Pakudhakwa nedoro, Ndebele akadhakwa zvokusvika pakukumbira shamwari yomurume wake doro izvo zvakakwidza Bp yemurume wake.
Murume wake akaedza kumutsiura kuti arege kukumbira doro nokuti aimudzikisira, asi zvinoita sekunge kumutsiura kwaiva kupedza nguva nekuti mukadzi wake akaramba achikumbira shamwari yomurume kuti imutengere doro.
Hasha dzakamuka pakati pevaviri ava Dube akarova mukadzi kumeso kanoverengeka ndokumurova muviri wese zvakare.
Haana kumira ipapo asi akamudzipa achimuudza kuti arege kumunyadzisa.
Shamwari yaDube yakapindira ikamudzora pakurwisa mukadzi wake.
Ndebele akamhan’ara nyaya iyi zvakaita kuti murume wake asungwe.
VaDube vakamiswa pamberi pemutongi wedunhu reWestern Commonage, VaJeconia Prince Ncube, vakatarisana nemhosva yekurova mukadzi. Akabvuma mhosva.
Akanzi abhadhare $10 000 kana akatadza kuibhadhara mushure memavhiki maviri, achagara mujeri kwemwedzi miviri.