
Pakave nemutambo mukurusa muCentral Business District nezuro apo mumwe murume akarohwa zvakaomarara nemudiwa wake mumotokari yaainge akaparker zvake.
Kurwiswa uku kwakaenderera kwemaminetsi anopfuura gumi, zvichimanikidza vaiona kuvhura musuwo weNissan Xtrail – nhamba yekunyoresa ADJ 9573 – kununura murume kuti asarambe achirohwa nemukadzi anozivikanwa saVimbai.
Vimbai akanzwikwa achipomera mudiwa wake kudanana nevamwe vakadzi izvo zvakaita kuti abvarure hembe uye kurova murume uyu zvakaomarara.
“Murume arohwa zvakaipa veduwee. Mukadzi anorova uyu, ”mumwe wevanhu vaiona akadaro.
Vakadzi vaviri vakasvika ndokuyambira Vimbai kuti asaramba achirova mudiwa wavo.