
Mark Robert mudhara anemakore (66) uvo ari kuzvidemba chaakazviitira kupa pekugara kune mumwe mukadzi wechidiki ane makore 19 anonzi Jean Mangudya uyo ava kumubhadharisa mari yekuti asamusungise sezvo parikunzi mudhara uyu akatora mukana wokushaya pokugara kwemukadzi uyu ndokubva aenda naye pabonde.
Pachinzvimbo pekuti mudhara uyu abhadharwe mari nelodger rake ndiye ava kubhadhariswa mari inosvika US$ 200 achiudzwa kuti kana akaramba anobva amhan’arirwa kumapurisa kuti akaita abusive sex kumukadzi uyu.
Mark Robert muzvina bhisimusi wezvivakwa zvepaGonzoni Business Centre muChimanimani District asarudza kutanga kuenda kunomhan’arira mukadzi wechidiki uyu zviri pamutemo.
Mark Robert akaenda kumatare edzimhosba kuti Mangudya apihwe peace order yokusatsika paGonzoni Business Centre.
Mu-afidhafiti yomudhara uyu yaakaendesa kumatare edzimhosva akati: Imwe nguva muna Chivabvu 2020, mukadzi uyu ane makore 19 okuberekwa akauya kunzvimbo yangu yebhizinesi achitsvaga imba yekurenda. Ndakamupa imba ndikati anobhadhara rendi yeUS$5 pamwedzi poga poga kusanganisira mvura nemagetsi.
Ndinotumirwa mari nevana vangu, iye anobva anditorera mari inisvika US$200.
Anoto maker sure kuti pose pandinotumirwa nevana vangu anotondiperekedza nechisimba kwaMutare kunotora mari, obva atonditorera US$200.
Mukadzi uyu arikutora mukana wekushupika kwangu semudzidzisi akarega basa. Ini ndakaroora mukadzi wekuGerman anogara kuDiaspora pamwe chete nevana vedu avo vanonditumira mari. Ndinokumbira kuti dare rimise mukadzi uyu kusvika pamba pangu. — Manica Post