
Mukadzi ane makore makumi maviri nematanhatu akabatwa chibharo kwemaawa akati wandei musango nemuporofita mutsva weChitungwiza kumaodzanyemba kweHarare.
Mukadzi uyu akawanikwa akaraswa padivi penzira nemupfuuri uyo akazomubatsira kunomhan’ara kumapurisa.
Mukadzi uyu akange aenda kunobatsirwa kumuporofita anozivikanwa saMadzibaba Tichaona.
Akabhadhara US $ 20 yekubvunza achibva apihwa chinhu chisingazivikanwe muhari kuti amwe akabva afenda
Akazobatwa chibharo kanoverengeka asati araswa parutivi pemugwagwa.
Mapurisa atanga chirongwa chekutsvaga muporofita uyu anonzi Madzibaba Tichaona kuti aripe mhosva yake yekubata chibharo munhu ainge auya kuzobatsirwa navo.