
Mukadzi ane makore 30 uyo akashaikwa munaMarch gore rino kuMashonaland West awanikwa akafa pedyo nefarm.
Rumbidzai William akashaikwa mushure mokunetsana nomurume wake.
Acting Mashonaland West provincial spokesperson,Assistant inspector Ian Kohwera vakatsigira kuwanikwa kwezvisarira zvaWilliam.
Ndinotsinhira zvisaririra zvemukadzi wemakore 30 uyo akawanika kuPenistock farm pedyo neMukuyu Primary School.Aive achishaikwa kwemwedzi ina.
Zvisaririra zvake zvakawanikwa musi wa26 July nemugari wemunzvimbo iyi achitsvaga huni.
“Murume wemushakabvu akaudza hama dzake,asi hapana ripoti yakauya kumapurisa”,vanodaro Assistant Inso Kohwera.
William akazivikanwa nerokwe rake uye nharembozha.