
HMetro
Mukadzi ane makore 31 okuberekwa akapfurwa nembavha vaiva yakapata pfuti kuWaterfalls muHarare nezuro mangwanani akafira ipapo.
Mbavha iyi yakarova vanhu vaiva mumba umu ikavati vaipe mari. Mufu anonzi kasaruda kuurayiwa pakuona kurwiswa kwaiitwa mukururu wemumba umu.
Mapurisa anotsinhira nyaya iyi.
“Mapurisa eZimbabwe Republic Police ari kukumbira veruzhinji kuti vabatsirwe neruzivo panyaya yekubirwa nepfuti, uye kupondwa, apo mumwe mukadzi akapfurwa akafa nemurume asingazivikanwe kuWaterfalls nenguva dza0100hrs.
“Murume uyu, uyo anga akapakatira pfuti isingazivikanwe akavhara kumeso kwake nemask, akapinda mumba kuUplands kuWaterfalls, nepagonhi rakanga risina kukiiwa, ndokurwisa vanhu vatatu vaivemo achida mari. Vamhan’ari vakapa US$60, Itel S16, nharembozha dzeHuawei.
“Zvisinei, musungwa uyu akaramba achida imwe mari apo airova chembere ine makore 78 muviri wose netsvimbo Mukadzi uyu akaedza kumisa mhavha iyi ichabva yamupfura mumusoro ndokufira ipapo, ” vanodaro Ass Comm Nyathi.