Mudzimai wembavha akasungwa mushure mekunge ashandisa “mari yakasviba” yemurume wake kutenga imba mumusha weChitungwiza weZengeza.
Juliet Gavaza ane makore 37 akasungwa pamwechete nemurume wake Godfrey Josi.
Josi ane makore 41, ane nyaya dzinoverengeka dzekuba uye akasungwa kuDamafalls.
Josi, uyo aive mutungamiri wechikwata chembavha dzinoshandisa zvombo kuba,akasungwa Mushure mekunge apfuurwa gumbo nemapurisa.
Kusungwa kwaJosi kwakaita kuti vamwe vaaishanda navo vasungwe. Mumwe wembavha idzi akafa nemaronda ekupfuurwa kwaakaitwa nemapurisa.
Mudzimai wake, Juliet akasungwa mushure mekunge atenga imba nekunyoresa Zita rake kuRockview,Zengeza 5.
Mapurisa akasungawo Juliet GAVAZA [37] mushure mekuferefetwa kuti akaroorwa nemurume, Godfrey JOSI, uye ane imba, Stand nhamba 17704 Rockview, Zengeza 5, Chitungwiza akatenga nekunyoresa muzita rake kubva pamari yekuba nechombo.
Juliet arikutarisirwa kumira pamberi pedare munguva pfupi iri kutevera. Kana akabatwa nemhosva, anotarisana nemakore 25 ari mujeri kana fine yeUS $ 500 000.
Subscribe
Login
0 Comments