
Silingi Moyo (49) anogara pa847 Phakama Suburb kuGwanda akatongwera mhosva yokutengesa mbanje nemutongi weGwanda, Miss Lerato Nyathi.
Akapihwa mwedzi mitanhatu arimujeri uye aifanira kuita maawa 210 ecommunity service paclinic.
Mutongi wedare reGwanda, Miss Lerato Nyathi vakayambira vaMoyo kuti vasapara mhosva yakafanana neiyi uye vakati kana vakabatwa nenyaya imwe chete havazoregererwa zvakare.
Muchuchisi Miss Faith Mutukwa vakati matikitivha emapurisa vakawana mbanje mumba maMoyo,yairema 60grammes uye vaine mari inokwana $2000 US.