
Mukadzi wekuPlumtree akarova musikana waaigara naye zvakaiparara nekuda kwekuti ainge achinja madoormats ndokumusiya akakuvara.
Mutauriri wemapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP)wedunhu reMatebeleland South,VaMangena vakati nyaya yakaitika musiwa 29chikunguru inofanirwa kuferefetwa.
Man’aro dziri kuti Siceluthando Maseko ane makore makumi maviri nemana akarwadziwa zvanyanya paakadzokera kumba achisvikowana madoormats ainge aisa abviswa.
Bopoto rakatanga paakabvunza musikana wake webasa nenhau yekubvisa zvimat zvaainge aiita.
Mushure mekukakavadzana,Maseko akaita hasha dzokuti akabva arova musikana wepabasa nesimbi mumusoro.
Pakarepo Maseko akabva asungwa mushure mekunge nyaya yake yasvitswa kumapurisa.