
Midziyo inosvika half-yemillion yemadhora yakaparadzwa nemoto nemusiwe chipiri kuBulawayo.
Varidzi vemba iyi vainetsana zvakakonzeresa kuti mudzimai apise imba,moto uyu wakazodzimurwa neveFire Brigade vemuBulawayo,moto pawakazodzimwa zvinhu zvese zvaive zvatsva uye denga remba raive radonha.
Moto uyu waionekwa kubva kure kusvika kwaMatopo Road.Yakatsva yakaparadza zvese zvaivemo mumba umu uye imba dzose dzaivemo dzakaparara.
Hapana akakuvara kana kutsva pakaitika izvi hapana aive mumba, uye midziyo yakatsva yaisvika half yemillion.
Vakaona zvichiitika vakati vaviri ava vanoitwa vaChirisa, vairwa uye nekunetsana kwenguva refu izvo zvakakonzeresa apise mbatya dzemurume nezvimwe zvaikosha pamba apa.
VaChirisa vanoti vainetsana nemudzimai wavo Mildres Goba, ndizvo zvakaita kuti apisa mbatya dzemurume wake nezvinhu zvaikosha zvaive mumba nemidziyo yavo.
Vakati moto uyu wakabatidzwa pavakaenda kukamba yemapurisa.
Phiri akati mufakazi, Bongani Ngwenya, aigara muimba imwe chete akavaudza kuti akaona Chirisa naGoba vachirwa, neumwe akapisa zvinhu zvinokosha.