
Mukadzi anogara kuGlendale uyo akatenderera pasocial media nenyaya yekuitira mwana ane makore 5 hutsinye akasungwa
Maria Mugwali uyo ane makore 40 akasungwa uye akaendeswa kuConcession Magistrates Courts nezuro uko kwaakanobhadhara $5000 yebatiso pamberi pemutongi wedare,Moreblessing
Munyaradzi Nengomasha anoti kubva muna Ndira gore rapfuura kusvika Nyamavhuvhu 2021 tete vaiitira mwana hutsinye vairova mwana netambo dzemagetsi muviri wese zuva nezuva.
Mapurisa paakaudzwa nezvenyaya iyi vakakwanisa kusunga Mugwali uye mwana akaendeswa kuchipatara kunorapwa.
Medical Report yakaburitswa mudare uye yairatidza kuti mwana anga aine maronda pamuviri wake
Nyaya iyi ichaenderera mberi musi wa9 Gunyana.