
Mukadzi ane makore 26 wekuVictoria Falls akabaya mukomana wake nebanga achimupomera mhosva yekudanana nemumwe mukadzi.
Nqobile Sibanda anogara pa5645 Mkhosana suburb naMnu Mayibongwe Muregi (33) vakatadza kunzwisisana mushure mekunge mukadzi uyu amhan’arira mukomana wake kuti ane mumwe musikana.
Akazobaya mukomana wake paziso rekuruboshwe, mhuno, chidya chekurudyi nekumusana nebanga rinoshandiswa muimba yekubikira.
Sibanda akabvuma mhosva yekubaya mukomana wake apo akamira pamberi pemutongi wedare reVictoria Falls Amai Linda Dzvene.
Akatongerwa kugara mujeri kwemwedzi (24) mutongi wedare asati amisa mwedzi gumi nemamiriro ekuzvibata.
Vavakidzani vakamhanyira nzvimbo iyi mushure mekunzwa VaMuregi vachichemera kubatsirwa uye vakatozotyora gonhi kuti vapinde mukamuri mairwira vaviri ava.
Vavakidzani vakawana VaMuregi vachibuda ropa ndokumhanya navo kuchipatara.