
Mapurisa ekuChipinge ari kuferefeta nyaya yemukadzi wechidiki muMedium Density uyo ari kuchengeta mutumbi wakaora wemucheche mumba make.
Vavakidzani vemukadzi uyu vanzwa kunhuwa kwaibuda mumba make. Vakanomhan’ara nyaya iyi kumapurisa uye vakatyamadzwa kuwana mutumbi wemwana ane mavhiki 3 aora mugumbeze.
Mapurisa atora mutumbi wemwana uyu kuPostmoterm uye anoudzwa kuti amai vanofungidzirwa vemwana akafa amai vake havasi kupindura mibvunzo kubva kumapurisa.
District Community Relations Liason Officer Assistant Inspector Jawett Kamera vatsigira nyaya iyi asi vakati ruzivo rwuchiri rwushoma. Amai vemwana varikungozivikanwa saBarbra.
Hazvisi kujeka kuti mwana akazvarwa riinhi uye kuti akafa sei.
Vamwe vanhu vataura neChipinge Times vasina kuda kudomwa mazita varikufungidzira kuti vakadzi vaviri vanga vachichengeta mutumbi havana kugadzikana mupfungwa.
Matikitivha anonzi akaudzwa kuti mwana anga akarara.
Hapana anoziva kuti chii chakaitika nekuti mhuri iyi inogara yakamanikidzikana mukamba kavo.
Chiitiko ichi hachisi kuitika kekutanga. chiitiko chakadai chakamboitika zvakare kuimba imwechete. Mumwe mukomana mudiki aive hanzvadzi yaBarbra akashaya kwemazuva, amai vaimutakura vachipinda naye nekuseri kwemba.