
Sophia Mudimba (61) wekuNampande Village kwaSabhuku Sinakoma vakafa vhiki rapera musiwe chipiri mushure mekudonha mumuti weBusika/mpapanyuka.
Muti unemuchero mawild-fruits uyo unodyiwa nekutengeswa kuBinga.
Mudimba aive naRebecca Muleya ane makore (63) nemwanakomana avo vakaenda kunotsvaga busika musango.
Vakabva pamba musiwa (25) August kunotsvaga busika. Vagari vemunharaunda vanoti mukadzi uyu nevamwe vaviri vakakwira mumuti apo paakadonha akafenda. Akaendeswa kuchipatara kuSenga clinic uko kwaakanofa asati asvika.
Mudimba akavigwa pamba pake musiwe China.