
Mumwe murume anoita zvekugera muBulawayo anonzi akabaya mutengi kusvika pakufa.
Ayanda Moyo (29) anonzi akabaya Claitos Muzorori (38) wekuOld Magwegwe nebanga pabendekete rekuruboshwe ndokumusiya akarara akafenda mudziva reropa mumugwagwa waLobengula pakati pe5 ne6th Avenues pakati peguta.
Mapurisa akasunga VaMoyo, vanobva kuCowdray Park, panzvimbo iyi mushure mekunge veruzhinji vamuziva.
Chiitiko ichi chakaitika neChitatu kuma 4PM uye zvakasiya veruzhinji vachikatyamadzwa zvikurusa.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reBulawayo, Abednico Ncube akatsigira chiitiko ichi.
Akataura kuti mapurisa maviri aive papatrol musi wa26 May pavakaona boka revanhu rakanga rakaungana mumugwagwa weLobengula pakati pe5 na6th Avenues.
“Mapurisa maviri aya akawana VaMuzorori vakarara vakafenda mudziva reropa vaine ronda rekubaiwa kuruboshwe rwechipfuva pazasi pefudzi rekuruboshwe. Vaviri ava vairwira mutengi, ”akadaro.
Insp Ncube vanoti mapurisa akaita ongororo panzvimbo iyi vachibatsirwa nevanhu uye murwi akawanikwa vachibva vatora banga.
Insp Ncube vanoti mushakabvu akaendeswa kuchipatara cheMpilo Central Hospital uko akazonzi afa paakasvika.
“VaMoyo vakasungwa uye vakachengetedzwa kuZRP Bulawayo Central uye nyaya iyi iri kuferefetwa,” vakadaro.