
Mufundisi nezuro akaendeswa kudare redzimhosva mushure mekunge anzi akabata chibharo musikana wemukereke make akaita nhumbu apo aive aenda achida kunatsira wanano yake.
Ishmael Pasvani (44) haana kubvunzwa kuti ateterere paakamira pamberi pemutongi wedare reHarare, Dennis Mangosi.