
Mufundisi wekuApostolic Faith Mission akapambwa nevanhu vekune rimwe bato vachida kuti avape midziyo yechurch sezvo pakanga pava nemasangano maviri rimwe raAmon Madowa nerimwe raCossam Chiyangwa.
Pastor Daniel Veru vekuOdzi wesangano raMadawo, akaudza veNewsday kuti akapambwa musi wa15 Nyamavhuvhu pakabvumidzwa kuvhurwa kwemachurch neHurumende. Akaenda kunomhan’ara kumapurisa nhau iyi.
Madawo akaitwa mutungamiriri weAFM neSupreme Court mugore ra2019.
“Mushure mokuitwa mutungamiriri we church,takaenda kuCourt nenyaya yekuti Simbarashe Chizunza wekudivi raChiyangwa aunze midziyo yechurch”,vanodaro vaVeru “
“Chizunza akadzosa midziyo asi Hurumende payakati machurch avhurwe musi wa15 Nyamavhuvhu,ndakaenda kuchurch nemukadzi wangu kuti tivhure church ndakavhunduka kuona Chizunza nevatenderi vake vari pachurch.”
“Ndakabatwa pamwe chete nemukadzi wangu tikaendwa nesu kwatisingaziva uko ndakanoudzwa kuti ndisatsike pachurch ndikangotsika chete vaindiuraya. Vakatora makeys epachurch,machairs nemamusical instruments.” Anodaro Veru