
MUKADZI ane makore makumi mana nematatu anobva kuChisuma kunze kweVictoria Falls ari kurwira hupenyu hwake hwese muchipatara mushure mekunge munin’ina wake, uyo anofungidzirwa kuti airwara nepfungwa, anonzi akamurova nedemo mumusoro.
Amai Henrietta Chuma vange vachibuda ropa zvakanyanya vakamhanyiswa kuVictoria Falls Hospital neMuvhuro manheru nedemo rakaramba rakanamirwa mumusoro.
Godwishes Chuma ahana kusungwa nemusi weChipiri mangwanani sezvo anonzi akatiza munzvimbo iyi mushure mekurwisa hanzvadzi yake.
Akaonekwa achifamba akananga kuJabula.
Vachiudza mapurisa vanhu vanoti vaifungira kuti aienda kune imwe hanzvadzi yake kuJabula kana kuti kumukadzi wake nevana vaviri kuGondwa.
Vakaona zvichiitika vanoti kuti mupomerwi murwere wepfungwa anozivikanwa anofamba achigara mudzimba dzehama dzake uye dzimwe nguva anorara musango.
VaShakani Mukoma, avo vakabatsira mukumhan’ara nyaya iyi kumapurisa vasati vaona kuti Mai Chuma vamhanyiswe kuchipatara, vakati kurwisa uku kwakaitika kuma7 manheru neMuvhuro.
“Mupomerwi uyu anozivikanwa nekurwara nepfungwa uye akamboedza kuzviuraya kanoverengeka pane imwe nguva akapotsa azvicheka pahuro ndokumhanyiswa kuchipatara muHarare. Nezuro anga achitamba nedemo panedzimwe nhengo dzemhuri.
“Akangoerekana arova hanzvadzi yake pakati pemusoro. Ndakafonerwa ndokumhanyira ikoko, uye pandakasvika ikoko demo rakanga richakabatirira mumusoro. Akaenda kuchipatara nedemo rakaramba rakanamirwa mumusoro, ”vakadaro Vashakani Mukoma.