
Mudzidzisi wechikadzi, Mandivei Magdaline Josephine uyo aishaikwa, azowanikwa akafa, ari mumunda wechibage pakati peBudiriro neMufakose.
Shepherd Yuda achinyora padandemutande rake reTwitter anoti:
“Zvinhu zvinorwadza vakadzi nevarume kukuzivisai kuti mudzidzisi aishaikwa pese apa, Mandivei Magdaline Josephine akawanikwa akafa pane imwe nzvimbo pakati peBudiriro neMufakose. Mamwe mashoko ekutevera. Zanu PF yatanga kuuraya vadzidzisi vedu. ED Mnangagwa uchatonga ani zvowopedza vanhu.”
Written By Tete Rue