
NewZimbabwe
Bazi redzidzo dzepuraimari nesekondari rakamisa basa mudzidzisi wekuHurungwe nemhosva yekutsigira bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change (CCC).
Mudzidzisi uyu, VaBlessing Mandava, vanoti kumiswa basa kwakaitwa sezvinodiwa neZanu PF sezvo vainge vabuda pachena kuti mutsigiri webato reCCC nemutungamiri waro VaNelson Chamisa.
Nekuda kwekumbunyikidzwa nekushungurudzwa, VaMandava vanoti vakarohwa nesitiroko uye vave kurwara nechirwere cheBP.
Muhoro wavo wakavharwa gore rapfuura kusvika parizvino.
Vakaudza NewZimbabwe musi weChitatu kuti vakambomiswa basa nezvikonzero zvimwe chete uye vakamiswa zvakare musi weMuvhuro apo vainge vadzokera kubasa sezvo nguva yavaiva vambonzi vamire yainge yapera.
“Ndakaenda kubasa nemusi weMuvhuro sezvo kumiswa kwangu kwakapera nemusi weChina, asi chakandishamisa ndechekuti ndakabva ndangomiswa basa panguva imwecheteyo kusvika June 5, 2022 nenyaya imwe cheteyo,” akadaro Mandava.