
Vaimbove sachigaro wemunyori anoona nezvevechidiki muZanu PF, VaKudzai Chipanga, vanoti ivo pachavo havana kumbove nedambudziko nemukuru webato rekutanga, Mutungamiri wenyika vaEmmerson Mnangagwa.
Chipanga svondo rapfuura akagamuchirwa mubato rinotonga pamwe chete nemutungamiriri wevakarwa muhondo ‘James Kaunye; kanzura weZanu PF, VaTaurai Chiripamberi, VaTalent Kadzima naVaNesbert Chasara.
Vakanga vadzingwa mubato muna2017 nekuda kwekuzvipira kwavo kuchikwata cheG40 zvichitevera kupidigurwa kwakaitwa vaimbova mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe nemauto.
Achitaura neManica Post neChipiri, Chipanga akati anoremekedza zvikuru VaMnangagwa uye anofara kushanda ari pasi pevaimbove mutevedzeri waMugabe. Akadaro Chipanga!
Ini ndinotsigira bato iri kunyangwe zvama sei ndinoramba ndirimu Zanu-PF.
Chipanga akakumbirawo dzimwe nhengo dzeG40 kuti vadzokere kuZANU PF achiti ndiro bato renyika.
Zvizere mubepa re — Manica Post