
Mhuri yaTapiwa Makore akauraiwa inoti vari kuenderera mberi nekushungurudzwa nenyaya yekuti matare arikutora nguva yakareba kuti vakwanise kupedzisa nyaya yekupondwa kwemwana wavo mushure mekunge mumwe wevapomerwa abhadhara mari inosvika $10 000 kuti abude mujeri.
Tapiwa akauraiwa munaSeptember gore rakapera,akaurairwa kuromba kumusha kwavo kuNyamutumbu village kwaMurewa.
Sekuru vake,Tapiwa Makore(vakuru 58),nemushandi wavo Tafadzwa Shamba (41),nemuvakidzani wavo (42) vakasungwa mushure mukuita ruzivo nezve kuuraiwa kwakaitwa mwana wavo.
Mwana uyu akavigwa papera mwedzi mitanhatu vasati vaita tsvagurudzo yezvakamuuraisa.
Baba vemufi Munyaradzi Makore vanoti pavanhu vakasungwa, mumwechete ndiye akabhadhara fine akadzokera kumusha kwake, marwadzo avakaita pakafa mwana wavo akadzoka zvekare.
Mukadzi akasungwa pamwechete naShamba nemukoma wake ndivo vaiziva mafiro akaita mwana wavo, akabuda mujeri.Akabhadhara mari inosvika $10 000 kudare repamusoro.
Tapiwa akaradzikwa asina nhengo dzese dzemuviri pamwechete musoro wake hausati wawanikwa.
Vakashingirira kutsvaga musoro wemwana wavo zvikashaya basa, vakashanda nemaporofita nen’anga zvakashaya basa.
Shamba akataura chokwadi kuti ndiye akauraya Tapiwa mushure mekupihwa zvekuita naTapiwa(snr) vachiti vaida kuromba vachishandisa nhengo dzake dzemuviri.
Hunidzarira anozivikanwa nekubika doro munzvimbo iyi nemuvakidzani wemhuri yeMakore vakasungwa kuBudiriro mushure mekuwanikwa achisuka carpet yaive neropa.
Baba vaTapiwa vanoti mhuri yavo yakarwadziwa,havasi kuzorora kusvikira zvavonoda zvaita.
“Mapurisa akati nyaya iyi ichaendeswa kudare asi vachiri vakamirira.Sei nyaya dzakadai dzichitora nguva kuti ipedziswe?baba vaTapiwa vanodaro.
Nyaya YaTapiwa yakarwadzisa vanhu vemuZimbabwe kuti vanhu vakuuraya vana vachida kuromba.