
Mwana wavo Kgaogelo Mathabathe (35) akauraiwa mushure mekuba bag remukadzi aishanda mupharmacy.
Baba vake Alfred Mathabathe (59) vakashamisika vachinzwa kuti mapurisa hapana zvavakakwanisa kuita kana kusunga vakauraya mwana wake.
Vanoti mwana wavo akarohwa zvisingaite pakazara vanhu, pakasvika mapurisa vakarova vakanongedzerwa.
Vashandi vemupharmcy vakashevedza mukuru wavo achivaudza nezvekubiwa kwanga kwaitwa handbag remukadzi wemo, mwana wavo ndiye akataurwa, muridzi wepharmacy akatumira vashandi vake kuti vanomurova.
Murume aive akusvika kumba kwavo pavakamubata vakamudzosera kubasa kwavo kwavakanomurova paroad pane vanhu akafa.
Baba vemufi pavakanzwa izvi vakarwadziwa, pavakaenda kuPhiladelphia Hospital pakanoudzwa kuti mwana wavo afa.
Vakaona izvi vakaudza mapurisa vasunge vanhu vakamuuraya.
Kgaogelo aigara zvakanaka nevanhu.Aiputa zvake asi havana kumbobvira vanzwa kuti mwana wavo aba.
Brigadier Motkafela Mojapelo varikuti vachavhura docket.
Kwaakaendeswa kuPost-mortem vakati vanoda evidence kumapurisa inoendeswa kucourt.
Vakaona zvichiitika vanoti munhu akaba bag vakamuona achitiza.
Mapurisa akafonera ambulance yakamuendesa kuHospital.