
Mupomerwi weChikwaka akaponda uyo aive anzi abhadhare mari yake yechibatiso akamirira kutongwa nemhosva yekuponda yakakandwa kunze nedare repamusoro mushure mekunge zvazivikanwa kuti aive atiza nyaya yake.
Tonderai Gandaza ange ane makore mashanu ari pakutiza kusvika musi wa3 Nyamavhuvhu paakabatwa achibva kuSouth Africa uko aive awana mukoto wokuraramira.
Ari kupomerwa mhosva yokuuraya umwe wake mushure mokunetsana zvakaomarara kuChidawu village, Chikwaka.
Gandaza akaponda muna2016 akatizira kuSouth Africa. Mapurisa ange achimuronda nguva yese iyi.