
Sangano reTrocaire – rakabatana nemamwe anosanganisira reMusasa Project, vabati vemitemo pamwe nenhengo dzedare reParamende – nemusi weChina vakaparura bhuku riri pamusoro pematambudziko ari kusanganikwa nawo nevanhukadzi munguva ino yechirwere cheCovid-19.
Vachitaura pachirongwa ichi, Mai Laurelle Mbaradza-Mutasa avo vanova women empowerment advisor weTrocaire, vanoti madzimai akanyanya kushungurudzika palockdown yekutanga neyechipiri apo vanhu vaisabvumidzwa kufamba kuenda kudzimwe nzvimbo.
“Nhasi taparura bhuku riri maringe nenyaya dzekuwaniswa kodzero yemutemo panguva yelockdown. Izvi zvakavapo mushure meongororo yatakaita nemamwe masangano. Taitarisa matambudziko aisanganikwa nawo nemadzimai apo vaikundikana kusvika kumapurisa kunomhan’ara nyaya, zvikuru dzemhirizhonga sezvo kwaidiwa matsamba ekufambisa.