
VaDouglas Mwonzora vazivisa vatsigiri vavo kuti vauye vazozvinzwira voga ku Zimbabwe Grounds muguta reHarare nemusi wa 13 March 2022.
VaDouglas Mwonzora ndivo vakasara vaine bato rine mazita maviri okuti MDC-A ne MDC-T, mazita awa akauya mushure mokunge vatorera vaNelson Chamisa zita rebato ravo.
Parizvino VaChamisa vanoti VaMwonzora vakakwanisa kutora zita nemahifisi avo vachibatsirwa nemauto pamwe chete nemapurisa ehurumende yava Mnangagwa, nokudaro vakaita izvi ndokubva vatadza kutora vatsigiri vava Nelson Chamisa. Kureva kuti VaDouglas Mwonzora zvichavapa kutambura kukuru kuti vakwanise kuzadza Zimbabwe ground.