
Parikungotyirwa kuti musarudzo dza 2023 Zanu PF, inogona kupinda kumaruwa ikanoonesa vanhu chitsvuku.
Danho ratorwa nebato riri kutonga reZanu PF rokuumba komiti irikuunganidza maUS$ mari yeku America ichazoshandiswe nebato iri mukutsvaga rutsigiro pamwe negadziriro pamberi pesarudzo dza 2023, roremera bato rinopikisa reMDC rava Chamisa vachiti Zanu-PF inogona kuzotora mukana wakakura wokubirira sarudzi ichishandisa mari iyi.
Rimwe sangano rinomirira varairidzi, reAmalgamated Rural Teachers’ Union of Zimbabwe, ARTUZ, ririkutyira kuti Zanu-PF inogona kuzotora mari yevarairidzi vezvikoro ichishandisa kutsvaka mavhoti.
Mutungamiri wesangano iri, VaObert Masaraure, vanoti zviounza kutya nokuti Zanu-PF inozivikanwa nemabasa akasarurama, kana yava kupinda muvanhu kunopemha, vachiti mamwe maTeacher akamboshungurudzwa zvinopisa tsisti gore riya, vamwe vachigurwa maoko nevatsigiri veZanu PF mushure mekunge vakundikana kubatsira bato iri nemari.
Hurongwa hweZanu PF hwekuda kupemha mari kune vanozvibatira mabasa emaoko pamwe nevarimi vatsva roshorwa zvakanyanyisa nemato rinopikisa, vachiti hurumende yeZanu PF yakaputsira vanotengesa ava pekushandira asi yave kuda kuvatevera kunotsvaga rubatsiro.