
Bato rinopikisa reMDC Alliance iye zvono rava serious kuchiona kuti ringazvipe zita rimwe sezvo Mutungamiriri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vazivisa kuti musarudzo dza 2023 vachenge vachishandisa zita rokuti MDC Alliance sezvo varivo mukuru arikufanira kutungamirira mapato ose.
Izvi zvasiya bato reMDC Alliance rinotungamirwa naVaNelson Chamisa risina imwe sarudzo, asi kuti richinje zita raro.
Zimbabwe Electoral Commission (Zec) nguva pfupi yadarika yakazivisa kuti bato rekutanga kunyoresa pasi pemubatanidzwa weMDC Alliance richawana kodzero yekushandisa zita iri musarudzo dziri kuuya.
Mutauriri weMDC Alliance, VaFadzayi Mahere nezuro vakaudza NewsDay kuti: “Chinhu chandingavimbise munhu wese ndechekuti MDC Alliance ibato revanhu uye rinodzokera kuvanhu vanonzwa kuti voita sei zvazvadai.”
“Hatimbotore sarudzo dzakakwirira, uye chandingangokuvimbisa ndechekuti vanhu vanoziva vatungamiriri vavo. Tinogona kudaidza MDC Alliance iyo Anything Party, Peace Party kana chero zvazviri, asi vanhu vanoziva zvatiri, uye hapana nyonganiso mupfungwa dzevanhu kuti ndiani anopikisa zviri pamutemo. Zvese zvandinogona kutaura kutarisa nzvimbo iyi uye mubvunzo uyu uchapindurwa munguva pfupi iri kutevera. ”
VaMahere vanoti bato iri riri kukurudzira kuti sarudzo dzivandudzwe dzinosanganisira kudzikisira Zec masimba.
“Ino ndiyo nguva yekuti tiende musarudzo apo takatarisana nekugadzirisa zvese zvinodiwa. Tinoda shanduko dzese; rusununguko rwekusangana, kuungana nekuita misangano zvakasununguka. Tinoda kuti vanhu vaone kuti Zec yakazvimiririra zvizere, kwete zvokuti inorerekera kuZanu-PF,” vakadaro.
“Zec inofanirwa kuita basa rayo rekunyora yakasununguka, tinoda kuenzanisa mutemo wesarudzo nebumbiro remitemo. Tinodawo kuti Bumbiro pacharo riitwe, semuenzaniso, panyaya yenhau dzinofanira kuitwa zvakajeka.
“Tinoda kuti madzishe echivanhu aite zvematongerwo enyika akasununguka, rubatsiro rwechikafu rubviswe mune zvematongerwo enyika uye zvinhu zvese zviitwe zvakajeka. — Newsday