
Murume weMuzilikazi akarasikirwa nemotokari yake yeToyota Corolla nemurume wekuMakokoba anoita zvechivanhu .
Murume uyu akaudzwa nen’anga iyi kuti asiye motokari yake achienda kumba kunogeza mushonga waainge apihwa.Paakadzoka akawana n’anga iya isipo nemotokari yake.
Mutauriri wemapurisa wekuBulawayo Inspector Abednico Ncube vakaona kuti n’anga iyi anofanira ari Kenneth Banda.
Motokari iyi yaive nenhamba idzi AND 9905,yakatengwa mari inoita iyo $213 200.
Zvinoratidza kuti Banda akatora zvinhu zvose akazviisa mumotokari iyi ndokubva aenda nekuti imba yake yakaonekwa isina zvinhu.