
Murume wekuNakuru Country aendesa mukadzi wake kumapurisa mushure mokutenga mwana apedza mwedzi mipfumbamwe achiti ane mimba.
*Chakaita kuti baba zvichauya vasungise mudiwa wavo*
Wesley Rono wekuOgilgei muKuresoi North suburb akaudza vemapepanhau kuti paakaudzwa nemukadzi wake kuti aizove nemwana akafara zvikuru. Nokufamba kwenguva akazoona kuti mukadzi wake aive asina pamuviri.
Murume ane makore makumi matatu nerimwe anoti haana kuda kubvunzurudza mukadzi wake nezvenyaya iyi asi akasarudza kumirira zuva rokusununguka.Patricia, mukadzi waRono aipakira machira muhembe zvoita seaive akazvitakura.
Rono aitopa mukadzi wake mari yekuenda kuclinic kungange hazvo aiziva kuti yaive mimba yemanyepo.
Mwedzi mipfumbamwe yakazokwana musi wa8 Nyamavhuvhu, Patricia akakumbira mari yokuti anosununguka kuKericho uye akapihwa.Zuva rovira Patricia akafonera murume wake kuti aive asununguka mwana mukomana.
Patricia akaudza murume wake kuti aizoenda kumba kwevabereki vake achimbosimbisa musana kuLondiani. Papera mazuva mana akadzoka kumba nemwana mukomana.
Rono anoti paakadzoka kumba manheru achibva kubasa akawana Patricia auya nemwana. “Ndakamutarisa mumaziso ndikamuudza kuti zvaaive aita zvinosungisa”, Rono anodaro.
Rono anoti mukadzi wake aisayamwisa mwana asi aimupa mukaka wemombe. Rono akazobvunza Patricia nezvemwana uyo akataura kuti aive amutenga.
Patricia anoti akatenga mwana sezvo aida kuchengetedza imba yake uye kufadzawo murume wake sezvo mbereko yairamba kutamba.