
Mumwe murume akarohwa akafa musi weSvondo manheru,1 August mushure mokuedza kuda kuba mwana ane makore matanhatu.
Murume anobva kuKraaifontein akaonekwa achizvuzvurudza chikomana chechidiki,icho chaitamba paruvanze kuSiyanyanzela squatter camp muGrabouw Western Cape.
Amai vemwana vakatanga kuchema vachitsvaga rubatsiro kune vamwe vemunharaunda,avo vakauya vachimhanya.Mwana akaonekwa asati aendwa naye kure uye murume uyu akarohwa zvakaomarara.
Gogo vechikomana chechidiki vakaudza Sunteam kuti vaive nemufaro mukuru kuvagari nokuvabatsira kudzosa muzukuru wavo.
Murume uyu haagari kuno.Akati aibva kuKraaifontein.Akakumbira vagari vemunharaunda kuti vamurege,anodaro umwe mudzimai.
Haana kutaura chikonzero chaaizvuzvurudzira mwana Anoti aita naye chete. Umwe murume akamubvunza kuti anogoti aitamba nemwana sei iye mwana wacho aichema.
Aifunga kuti vanhu vakapusa,ndizvo zvakazokonzera kuti arohwe zvakaomarara.Munhu aingonhonga chero chinhu panguva yekurova murume uyu uye vamwe vakatoshandisa matombo kusvika afa.