
Mbavha yechipoko yaive yakapfeka hembe dzechiskeleton Norman Chagwiza, uyo akaita masaisai mushure mekubuda kwekuti akabira vanhu akapfeka nguwo chena uye nhema iyo yakaita kuti aite kunge chipoko.
Sekureva kweThe Herald, Chagwiza akasungwa svondo rapfuura naMutongi waGutui Madhlenkosi Ndlovu abatwa nemhosva yekuba .
Mutongi Ndlovu akatanga amutongera makore mana asati amupa mwedzi gumi nemiviri ekuda kwekuita zvakanaka mutorongo.
Mhosva ndedzekuti musi wa13 Chivabvu gore rino, Chagwiza akapfeka chipfeko chake chemweya akaenda kumba kwaElizabeth Chipika mumusha mumwe chete nenguva dza1 mangwanani.
Pakasvika, Chagwiza, uyo aive akapakatira demo akatyisidzira Chipika akamucheka asati amubira chikwama chaive nemari isingazivikanwe.
Pa Africa Day, Chagwiza akaenda kumba kwaThomas Chivhura husiku uye akashandisa manera kukwira padenga reimba yake yekurara.
Akange akapfeka nguwo imwe yemweya uye akaedza kubvisa solar system yaive ipa
Chivhura akamhanyira panze Kunoongoror anzwa mafambiro padenga rake akaona Chagwiza aripo.
Chagwiza paakaona kuti awanikwa, akaburuka padenga ndokutiza. Chivhura akabatana nevavakidzani ndokumutandanisa.
Vakamubata uye pakuferefetwa kwakaratidza kuti akashandisa “chipoko” sutu kupinza kutya kune avo vaakabira uye kuvanza kuzivikanwa kwake. Akaendeswa kumapurisa
Zvichakadaro, munin’ina waChagwiza,Gondoro akazviuraya mushure mekuhwanda mumakomo paakaziva kuti mukoma wake akasungwa.
Gondoro anonzi akazohwanda paakaziva kuti mukoma wake ava nembiri aive asungwa. Zvinofungidzirwa kuti Gondoro aibatanidzwa pakuba kwaiita mukoma wake uye akatya kusungwa panyaya dzekuba kwavaiita.
Mushure memazuva matatu ekuhwanda mumakomo, Gondoro akazviuraya nekuzvisungirira neMuvhuro. Mutumbi wake wakabviswa nevakuru neChipiri mangwanani. Asati afa, Gondoro anonzi akaraira mudzimai wake kuti asaburitse pachena kuti vakawana sei imwe imba yavo.