
Mapurisa ekwaMutare akasunga Rutendo Clive Chikoti (30) uyo anofungidzirwa kuti aiva nepfuti ndokutora masmart television set gumi, DVD player, maspeaker maviri, matank egasi manomwe, nharembozha 27 nedrill.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Inspector Nobert Muzondo, vanotsigira kusungwa kwaChikoti nemusi weMuvhuro.
Vatiwo Chikoti aive pagwaro revanhu vaitsvagwa nemapurisa pamhosva pfumbamwe dzekupazwa kwedzimba uye akasungwa mushure mekunge vagari vaudza mapurisa. Pfuti ne-bolt cutter zvakashandiswa pakupwanywa kwemba zvakawanikwa.
“Musi waKurume 13, 2023, matikitivha emapurisa akaudzwa kuti musungwa wavaitsvaga akanga akahwanda muSakubva. Akasungwa nemhosva nhatu dzekuba achishandisa pfuti. Mapurisa aimutsvaga nenyaya pfumbamwe dzekupazwa kwedzimba.
“Matikitivha akakwanisa kuwana terevhizheni 10, DVD player, speaker hombe mbiri, matank egasi manomwe, drill nenharembozha 27,” vanodaro VaMuzondo.
Vakurudzirawo veruzhinji vane zvinhu zvakabiwa kuti vauye kuzoziva mimwe midziyo yakatorwa paMutare Central Police Station.
Hona Mbavha Yacho
Unotiwo Kudii Nenyaya Iyi?