
MUDZIMAI ane makore 23 okuberekwa anogara mumusha weSakubva, kwaMutare, uyo aive akabereka mwana kumusana, anonzi akarwisana nembavha yaida kumubira handbag rake zvikazoita kuti tsotsi iri ritize asi ndokudonhedza nhare yaro iyo yakazoshandiswa nemapurisa kumuronda kusvikira abatwa.
Mushure mekushamiswa nekurwiswa kwaiitwa naRukudzo Dzaramba, mbavha iyi, Lovejoy Gonouya (28), akabva atiza kubva panzvimbo yaaida kubira mudzimai uyu.
Pakamhan’arwa nyaya iyi kukamba yeSakubva Police Station, mapurisa akabva ashandisa nhare yaive yadonhedzwa naGonouya kumuronda. Matikitivha akatarisa mamwe mazita evanhu vaive munhare iyi ndokufonera mudzimai waGonouya uyo akavataurira kwavanogara asingazive kuti murume wake aitsvagwa nekuda kwemhosva yaainge apara.