
Mbavha inofungidzirwa kuti yaba bhegi ranga rineUS $ 19 000 kubva mumotokari yange iri yeOn-Governmental Organisation muBulawayo nemota yanga isina(Number Plate).
Izvi zvaitika mushure mekunge mushandi weOrganisation for Public Health Intervention and Development (OPHID) amisa mota mumugwagwa weFort Street pakati pa14 na15th Avenue kuti aone vhiri ranga raboorwa.
Mushandi ane makore 33 zita rake harina kuburitswa, angaaenda kumakiriniki yeku-Bulilima kunotora mari.
Chiitiko ichi chirikuongororwa apo mbavha isina kuzivikanwa yabvuta bhegi ranga riine neUS $ 19 396, HP laptop, laptop charger nemagwaro akati wandei kusanganisira US$21 000 kubva mumotokari yanga yamiswa pagaraji riri pedyo neFort Street pakati pa14 na15th Avenue.
Insp Ncube vanoti mutyairi aedza kudzingirira mbavha iyi asi atadza kuibata nekuda kwekuwanda kwemotokari muguta.
Insp Ncube vanokurudzirawo veruzhinji kuti vave nehanya nekuchengetedza pese pavanenge vakatakura mari zhinji mumotokari.