
Mutyairi akarasikirwa neUS $ 15 000 muBulawayo CBD mushure mekunge amisa mota yake achienda kunotsvaga zvekugadzirisa mota yake
Mapurisa anoti chiitiko ichi chakaitika musiwa 12 August mungava dza3pm kuCnr 2nd Avenue naRobert Mugabe Way.
“ZRP iriku ferefeta nyaya yekubiwa kwakaitwa mota musiwa 12 August na3 pm, mumota maive nemari US$15 691 muNissan Atlas Vehicle.
“Mota yaive yakaiswa kuna Corner 2nd Avenue naRobert Mugabe, sezvo mumhan’ari aiedza kugadzirisa dambudziko remota yake ,”akadaro mapurisa.