
Kudakwashe Chirendo (27) naVitalis Mutinhiri (43), vese vakamiririrwa naNorman Ndomene, vadzoserwa nhasi kuzotongwa mutongo webail.
Mumhan’ari wekutanga ndiGeorge Garufu, mutevedzeri wekuSalary Services Bureau (SSB).
Zvinonzi musiwa February 11, gore rino munguva dza2 am, mumhan’ari akaenda kunorara mushure mekusiya magonhi ake akakiwa.
Kuma 4 am, akamutswa nevavakidzani vake vachimuti sliding door rake raive ratsemuka.
Akaenda kunotarisa akaona kuti 42-inch LG tv maive musisina, akanotaura nyaya iyi kumapurisa.
Mapurisa akaudzwa kuti mbavha idzi dzinopinda muMabvuku zvisiri pamutemo.
Mbavha idzi dzakasungwa, mushure mekuba midziyo ine mari inosvika US$600.
Mumhan’ari wechipiri, Moreblessing Bunure, anoshandira Tafara nekuHarare Hospital accounts department.
Mumba make makabiwa muna 9 April gore rino, akabirwa 5kg yecadac ne3 kg yeMCK gas tanks, akanomhan’ara nyaya iyi kumapurisa.
Pakasungwa mbavha idzi, vakadzosera zvinhu zvavaive vaba. After the arrest of the accused persons, they led the police to the recovery of various property.
Mumhan’ari wechitatu Tinotenda Kamwendo, akabirwa muna 25 May, akabirwa Sony Bravia 42-inch tv, yakazowanikwa mbavha idzi dzabatwa.
Mumhan’ari wechina Tawanda Jangano, anoshandira muOffice of the President and cabinet (OPC).
Musiwa July 12 gore rino, mumhan’ari akafonerwa nevavakidzani vake kuti imba yake yekumabvuku kwaive kwabiwa kuma New stands.
Jangano akenda nemapurisa kumba kwake achibva kuMabvuku police station kunoona zvakatora nzvimbo.
Mumhan’ari akaon kuti 65-inch smart tv, invertor, car battery, 5kg gas tank, 4 2/in-1 blankets, bedspread, sensor light, three-piece radio nemagroceries aive mumba zvaive zvabiwa.
Midziyo yakabiwa ine mari inosvika US$1 800, nemidziyo yakadzoswa inemari inosvika US$562.
Mumhan’ari wechishanu, Mharadze Zvidzayi, anoshandira kuOPC, akabirwa 32-inch samsung television, 5kg gas tank, 6-metre curtains ne 10, nyaya yakaendeswa kumapurisa.
Mudziyo yakabiwa yaisvika US$320, yakadzoswa inosvika US$200.